John 7

Kusatenda kwevanin'ina vaJesu

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.

2Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera. 3Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita. 4Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika. 5Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari. 6Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa. 7Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa. 8Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika. 9Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.

Jesu pamutambo wematumba

10Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande. 11Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya? 12Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga. 13Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha.

14Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa. 15Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza? 16Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma. 17Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu. 18Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.

19Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya? 20Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya? 21Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese. 22Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu. 23Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here? 24Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.

25Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here? 26Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye? 27Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva. 28Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi. 29Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.

30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika.

31Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here? 32VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate. 33Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma. 34Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya. 35Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here? 36Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?

37Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe. 38Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake. 39Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa.

40Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita. 41Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here? 42Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi? 43Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake. 44Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.

45Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa? 46Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu. 47Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi? 48Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi? 49Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa. 50Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari: 51Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita? 52Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea. 53Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.

Copyright information for Shona